Bhaibheri

Mwari Baba Tinofara Zvikuru

Catholic · Nziyo · 546

Br L. Bvukumbwe

Chorus

M: Mwari Baba tinofara zvikuru tinofara zvikuru pamusana pechitendero V: S/A Baba vedu tinofara zvikuru pamusana pechitendero chedu-u chinotiumba nokutibatanidza semhuri-i imwechete B Baba vedu tinofara zvikuru tinofara chitendero chedu tinofara-a nokutibatanidza semhuri imwechete S/A Tinoziva nokutya kuti undingoveni nokungozvifunga zvingatiparadzanise zvingatiparadzanise, Undingoveni nokungozvifunga zvingatiparadzanise B --- Nokutya kuti undingoveni nokuzvifunga zvingatiparadzanise zvingatiparadzanise Undingoveni undingoveni nokungozvifunga zvingatiparadzanise S/A Zvino tinokumbira girasiya renyu-u kuti rirambe richisimbaradza Rambai makatibatanidza norudo runotiita mhuri imwechete B Tinokumbira girasiya renyu kuti rirambe richitisimbaradza rambai makatibatanidza norudo runotiita mhuri imwechete S/A Chibatsiraiwo mhuri yedu kuti igare hupenyu hunowirirana neshoko renyu ratinotendera B Mhuri yedu mhuri yedu-u hupenyu hupenyu-u hunowirirana neshoko renyu shoko renyu ratinotendera Chanting: Kuti tigosvika kwamunogara muchitonga kwemisi ingaperi (x2) S/A A --- men A --- men Amen A --- men B Amen Amen Amen Amen A --- men

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.