Bhaibheri

Mwari Makatisiira Sakaramende

Catholic · Nziyo · 572

J.K. Dzingai

Chorus

Part 1: M: Mwari makatisiira sakaramende V: S/A Mwari makatisiira sakaramende rinoshamisa, kuti rive chiyeuchidzo cho kutambudzika kwenyu B Mwari makatisiira sakaramende, rive chiyeuchidzo chokutambudzika kwenyu

1

Ani naani anoona mwanakomana achimutendera awane rupenyu rusingaperi

2

Nouyu anenge achiuya kwandiri handitongomurasira kunze

3

Uye kuti ini ndimumutse nezuva remhedziso Part 2:

Chorus

M: Tigonesei kuremekedza V: S/A Tigonesei kuremekedza muviri neropa renyu kuti murambe muchitirara misa imi munogara nokutonga kwemisi isingaperi tigonesei kuremekedza sakaramende B/T Tigonesei kuremekedza muviri neropa renyu muchitiraramisa imi mu nogara nokutonga kwemisi isingaperi tigonesei kuremekedza sakaramende

4

Zvirokwazvo zvirokwazvo ndinokutii kunge musingadye nyama yomwanakomana womunhu nokunwa ropa rake

5

Anodya nyama yangu nokunwa ropa rangu ane hupenyu husingaperi

6

Kana musingaite izvi hamungave nehupenyu mandiri

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.