F.H. Chinyanya
Chorus
M: S/A Mwari ndinokumbira kuregererwa V: S/A Ndinokumbira kuregererwa zvandakakutadzirai – ndinopfidza matadzo angu ose ndinoasema kupinda zvose nokuti akakodzera chirango chirango chenyu chinobvundisa akasakisa kuti Muponesi Yesu arovererwe pachipi yaniso. B Ndinokumbira kuregererwa zvose ndakakutadzirai ndinopfidza matadzo angu ose – ndinoasema kupinda zvose - nokuti akakodzera chirango – chenyu chinobvundisa akasakisa Muponesi Yesu arovererwe pachipiyaniso.
1
Ndakakutadzirai zvikuru Mwari.
2
Imi makanaka makanaka zvisina mugumo.
3
Ndinotsunga kurega kukutadzirai pakare ndichibatsirwa negirasiya renyu.
Chorus
S/A Ndinotsunga kunzvenga zvose zvinondifurira kukutadzirai ndinotsunga kunzvenga kukutadzirai B --- Kunzvenga zvose kunzvenga zvinondifurira kukutadzirai, ndinotsunga kunzvenga kukutadzirai
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.