Bhaibheri

Mwari Tauya Kwamuri

Catholic · Nziyo · 619

N.S. Zimbodza

Chorus

M: Mwari tauya kwamuri V: All Mwari tauya kwamuri tauya nezvibereko zveminda yedu yedu Alleluya

1

Mwari akashongedza mwaka nendaza yokukomborerwa akatipa kucheka kwakanaka

2

Akashanyira pasi ndokudiridza akapapfumisa kwazvo

3

Akatigadzirira zviyo ndokutipa zvokudya zvedu zvezuva roga roga

4

Akakomborera zvinomera zvapasi rwizi rwaMwari ruzere nemvura

5

Akanyorovesa nemvura inopfunha pasi mafuro akafukidzwa namapoka ezvipfuwo

Chorus

All Vana vaMwari tambidzai kuna Mambo zvibereko zveminda

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.