Bhaibheri

Mwari Tendeukirai

Catholic · Nziyo · 621

A. Nyika

Chorus

M: Mwari tendeukirai Tendeukirai V: All Kunesu mutipewo rupenyu rutsva

1

Mambo batai mwoyo wangu ndigotya zita renyu

2

Rudzi rwenyu ruchakuteurirai zvipo zvomupiro nomufaro

3

Ndinokumirirai kubvira magwanani kusvikira manheru, nokuti ndimi mununuri wangu

4

Imi mugere pamusoro pamakore muzviratidze kurudzi rwenyu

5

Penyesai chiso chenyu pamusoro pedu togoponeswa

6

Uyai nesimba nembiri vanhu vose vachazokuonai

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.