A. Mafukidze
Chorus
M Mwari worugare V: S/A Ngaave nesu misi yose Mambo tinovimba nemi tipeiwo rugare B Mambo Mwari worugare Mambo tinovimba nemi tipeiwo rugare
1
Uti kunaMambo Mwari ndimi utiziro hwangu nenhare yangu Mwari wangu wandinovimba naye
2
Nokuti ndiye anokusunungura kuzviteyo zvomuvhimi anokuponesa pahasha dzinouraya zvikuru
3
Ndiyewo anokufukidza neminhenga yake kuti ugotizira pasi pamapapiro ake
4
Kutendeka kwake inhoo yako haufaniri kutya zvinobvundisa zvousiku
5
Nokuti diziro rako ndiMambo wakamuita nhare yako
6
Hapana chakaipa chingakuwira matambudziko haachadzakiri kumba kwauri
7
Nokuti iye akaraira vangere vaka kuti vakungwarire
8
Ivo vachakubata namaoko avo kuti urege kugumburisa rutsoka rwako nebwe
9
Mwari achiti zvaanondinamata ndichamuponesa ndichamurwira zvaanoziva zita rangu
10
Kana achidana ndichanzwa kana apinda mukutambudzika ndichamubatsira nokumukudza
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.