Bhaibheri

Ndakanzwa Tenzi Achiti

Catholic · Nziyo · 684

N. Muchenu

Chorus

M: Ndakanzwa Tenzi achiti kwandiri V: S/A Ndakakusarudza uchiri mudumbu ramai vako, ndakakuda usati wasikwa, ndakakugadza kuti uve svikiro rangu, uve nhume yangu kuvanhu vangu vose, uvaudze zvandichakuudza, ndini Mwari Mambo ndakutuma B Ndakakusarudza uchiri mudumbu, ndakakuda usati wasikwa, ndaisa manzwi angu pamuromo wako, uve nhume yangu kuvanhu vangu, ndini Mwari Mambo ndakutuma

1

Iwe rega kutya enda kuvanhu vangu vose kwandichakutuma tarira ndaisa manzwi angu pamuromo wako

2

Onaka nhasi ndakupa simba pamusoro pendudzi dzavanhu napamusoro pamadzimambo ose enyika

3

Kuti udzure nokukoromora uparadze nokupaza uvake nokusima

Chorus

All Mwari onai handigoni kutaura

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.