T.L. Mabiza
Chorus
M: Chitendero chisina mabasa chakafa V: S/A Zvinobatsireiko nhai hama --- zvinobatsirei kana munhu achiti ane chitendero --- iye asina mabasa --- chitendero chisina mabasa chakafa. B Zvinobatsireiko nhai hama dzangu, zvinobatsirei kana munhu achiti ane chitendero asi iye asina mabasa chitendero chisina mabasa chakafa. T Zvinobatsireiko zvinobatsireiko, zvinobatsirei kana munhu achiti ane chitendero zvinobatsireiko kana asina mabasa zvinobatsirei chisina mabasa chitendero chakafa.
1
Ngatitii hama haina chokupfeka mumwe wenyu oti kwaari enda hako norugare udziirwe-e asingamupi chokupfeka.
2
Hama isina chokudya chamazuva ose mumwe wenyu oti kwari enda hako nerugare uye ugute asingamupi zvinodikanwa nemuviri zvinobatsireiko.
Chorus
S/A Chakafa chisina mabasa chitendero chakafa B --- Chitendero chisina mabasa chisina mabasa chakafa. T --- Chitendero chisina mabasa chitendero chakafa.
3
Chitendero pachacho chisina mabasa chingamuponese munhu here?
4
Mumwe angati iwe une chitendero ini ndine mabasa.
5
Ndiratidze chitendero chako iwe usina mabasa, ini namabasa angu ndikuratidze ndikuratidze chitendero changu.
6
Nhaiwe munhu iwe, unoda kuziva here kuti chitendero chisina mabasa hachina muchero?
7
Nokuti ndizvo zvakaita muviri, muviri usina mweya wakafa, saizvozvowo chitendero chisina mabasa chakafa.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.