F.S. Tafuma
Chorus
M: S/A Ndi-cha-rumbidza Tenzi ngu-va dzose V: S/A Ndicharumbidza Tenzi nguva dzose --- nguva dzose --- ndicharumb-i-dza rumbidzo yake ichagara iri pamuromo pangu --- mweya wangu unovimba naTenzi --- vanotambudzika ngavazvinzwe ngavazvinzwe-e vagofara. B Ndicharumbidza Tenzi --- ndicharumbidza --- nguva dzose ---ndichamurumbidza nguva dzose rumbidzo yake ichagara pamuromo pangu --- mwe- e-ya wangu --- unovimba naTenzi vano – tambudzika ngavazvinzwe ngavazvinzwe vagofara. Part 1:
1
Kudzai Tenzi pamwe chete neni tipururudzire zita rake pamwe chete
2
Ndakatsvaka Tenzi akandipindura akandinunura pakutya kwangu kose.
Chorus
S/A --- Mweya wangu unovimba naTenzi --- vanotambudzikaa ngavazvinzwe --- ngavazvinzwe-e vagofara. B Mwe-e-ya wangu --- unovimba naTenzi vanotambudzika ngavazvinzwe vagofara Part 2:
3
Meso aTenzi ari pana vakarurama nenzeve dzake dzinonzwa kuchema kwavo.
4
Munhu akarurama ane njodzi zhinji asi Tenzi anomununura pane dzose.
5
Chakaipa chichauraya akaipa vanovenga vakarurama vachapihwa mhosva
Chorus
S/A Edzai muone-e-he imi muone muone kuti Tenzi akanaka sei --- akakomborerwa munhu anotizira kwaari --- anotizira kwaari vanomutya havana chavanoshaiwa. B Edzai muone-e vatsvene vake --- muone kuti Tenzi akanaka Tenzi akakomborerwa munhu anotizira kwaari Tenzi vatsvene vake-e --- havana chavanoshaiwa.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.