R. Dube
Chorus
M: S/A Ndichiri kuda Yesu wangu simba nechishongo changu V: S/A Ndichiri kuda Yesu wangu simba nechishongo changu ndichiri kuda imi Mambo nezvose zvangu zviripo ngandikudei ngandikudei misi yose ku sati kufa kusvike B Ndichiri kuda Yesu wangu simba nechishongo changu-u vose zvangu zviripo ngandikudei Yesu wangu misi yose kufa-ha kusvike.
1
Ndatsauka misi mizhinji ndafamba ndiri murima
2
Nezvo mwoyo wakatambura zvandakatadza kazhinji
3
Ndakada rima chokwadi ndazvidza mwenje wepasi
4
Zvaitwa-a zvaitwa nemi Yesu wangu kuti ndiri wenyu zvino
5
Mufudzi womoyo munyoro makambononga hwai yenyu
6
Makaisa kudanga kwamuchiri kuichengeta
Chorus
S/A Ngandikudei ngandikudei misi yose kusati kufa kusvike B Ngandikudei Yesu wangu misi yose kufa-a kusvike
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.