N. Muchenu
Chorus
M: Ndiri pano zvamandidaidza Mwari wangu nditumei V: S/A Mupriste anosarudzwa naMwari achibva muvanhu achigadzwa kuti ashandire Kirike, apire zvipo, ave musvitsanisi pakati paMwari navanhu otadzana naKristo mupriste mukuru, muprofita nomudzidzisi, nokudaro Mwarii kutendeseka kwaKristo ngakuve kutendeseka kwavashumiri venyu B Mupriste anosarudzwa naMwari achibva muvanhu, achigadzwa, kuti ashandire vanhu, apire zvipo, aregerere matadzo, otadzana naKristo, ova musvitsanisi pakati paMwari navanhu nokudaro kutendeseka kwaKristo ngakuvewo kwavapriste
1
Iwe ndiwe mwana wangu nhasi uno ndava Baba vako
2
Ibva munyika yako napahama dzako uende kunyika yandichakuratidza ndichakukomborera
3
Marudzi avanhu achakomborerwa zvichibva nomauri
4
Ndichakomborera vaya vanokukomborera ndichitsvatawo vaya vanokushungurudza
5
Iwe uri mupristi warini narini pamagamuchidzanwa edzinza raMerekizedeki
Chorus
S/A Tungamiraiwo Mwari Baba, avo vose vamakasarudza kuti vaite basa rokugamuchidza masakaramende, nokuparidza dama rakanaka, kuti nesimba renyu vagovimbika nokuzadzisa basa ravakagamuchira B Mwari Baba, mwanakomana, namweya mutsvene, tarirai, tungamiraiwo vamakadaidza kumunda wenyu vakadaira, nesimba renyu vagovimbika nokuzadzisa basa ravakagamuchira
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.