Bhaibheri

Ndoenda Kupiko Ini

Catholic · Nziyo · 778

Sr Martin Chikosha (LCBL)

Chorus

M: Ndoenda kupikoo ini kana ndiine nhamo kana ndichifara V: S/A Ndoenda kuna Mwari woga ndiye anobvisa marwadzo anondipawo mufaro ndiye mudiwa wangu B Ndoenda kuna Mwari woga ndiye anobvisa marwadzo anondipawo mufaro, Mwari ndiye mudiwa wangu

1

Ini ndingauye seiko asi somwana wenyu zvino ndinozviisa mumaoko enyu

2

Ini ndizere namatadzo Mwari ndizere nokupfidza asi ndiani pana vanhu anganzi mururami

3

Ini ndiri kutenda imi zvamakandipfavira imi makandidaidza kuti mundiyamure

4

Ini zvino ndasimbiswa netsitsi dzakawanda zvino ndoyamurwa nengoni dzenyu Mwari

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.