A. Chamunorwa
Chorus
M: Endai naye kuna Mwarii V: S/A Endai naye x4 kuna Mwari B Endai naye x3 kuna Mwari T Endai-hi endaii endai nayee
1
Maria musande, hoyoi mwana wenyu (zita) mwana wenyu.
2
Imi musande wake, nemi angere wake muchengeti, munhu wenyu uyu.
3
Imi vangere navasande vose, hama yenyu iyi. Endai naye kuna Mwari.
4
Imi vechizvarwa chokwababa vake makafa, muri kudenga mwana wenyu uyu.
5
Imi madzibaba ake namadzitateguru ake ose muri kudenga, mwana wenyu uyu.
6
Imi vechizvarwa chokwaamai vake makafa muri kudenga, mwana wenyu uyu.
7
Imi madzisekuru namadzimbuya ake muri kudenga, navose vokurudzi. rwokwaamai vake makafa muri kudenga, mwana wenyu uyu.
8
Imi hama dzake dzose muri kudenga makafa mwana wenyu uyu.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.