T.M. Dunduru
Chorus
M: Nechipiyaniso chaMambo V: All Ndicho chipiyaniso chaMambo ruponeso rupenyu nokumuka kwedu
1
Mwari tinzwireiwo tsitsi tikomborerei Mambo
2
Tiringisei tinzwireiwo tsitsi Mambo
3
Kuti nzira yenyu izivikanwe pasi Mambo
4
Nokuponesa kwamunoita ndudzi dzose Mambo
5
Vanhu ngavakutendei Mwari Mambo
6
Vanhu vese ngavakutendei Mambo
7
Ndudzi ngadziimbe ngadzifare nomufaro Mambo
8
Nokuti muchatonga vanhu muururami Mambo
Chorus
All Ngativimbei noruponesoo nechipiyaniso chaMambo
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.