T. Nyikayaramba
Chorus
M: Ngatiendee navafudzi V: All Ngatiende navafudzi kundoona muponesi tindomukwa-zisa – uye – wakatizvarirwa
1
Ngatiende navangere timukudze uyo mwana
2
Waputirwa nembereko ndiye Mambo wedu
3
Ngatiende navazivi titeure pamwe navo
4
Zviro zvedu tinazvo kune uyu mwana
5
Ngatiende naMaria tinyarare nokufara
6
Tiyeuke chishamiso chavakada vanhu
7
Utikomborere tose mwana Yesu muponesi
8
Tipe tikufadze nhasi dakara narini
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.