Bhaibheri

Nhume DzaMwari

Catholic · Nziyo · 821

A. Shamu Maurunge

Chorus

M: Nhume dzaMwari V: All Dzinotakura zvipo M: Nhume dzaMwari V: All Kuhuruva yake

1

Nhume dzinokotamira pamberi paMwari, nezviso zvakafukidziwa

2

Nhume yakamira padara rokudenga, ino mudziyo wendarama nezvinonhuwirira

3

Yakapiwa zvinonhuwirira zvizhinji, kuti izviise padara raMwari

4

Utsi hwezvinonhuwira hwakakwira, pamberi pechigaro chaMwari

5

Pamwe chete neminamato, yavasarudzwi vaMwari

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.