Bhaibheri

Nikodhimasi Webato RavaFarisei

Catholic · Nziyo · 824

P. Mukanyi

Chorus

M: B: Nikodhimasi webato ravaFarisei --- mumwe wedare ravaJuda, akauya kuna Jesu --- akati kwaari-hi Rabi --- tinozivaha muri mudzidzisi akabvaaa kuna Mwari S ---Nikodhimasi webato ravaFarisei mumwe-e-e wedare ravaJuda, akauya kuna Jesu nousiku-u akati kwaari-i --- tinoziva kuti muri mudzidzisi akabva kuna Mwari A --- Nikodhimasi webato ravaFarisei mumwe-e wedare ravaJuda, akauya kuna Jesu akauya-a akati kwaari-i --- tinoziva kuti muri mudzidzisi akabva-a kuna Mwari

Chorus

S Nokuti hakuna anogona kuita zviratidzo zvamunoita kunze kwokuti-i-i Mwari ainaye, tinoziva kuti ..... A Nokuti hakuna anogona zvamunoita kunze kwokuti-i-i Mwari ainaye, tinoziva kuti ..... S Jesu akamupindura akamupindura akamuti A Jesu akamupindura akamupindura Jesu akamuti V: S Kana --- munhu asina --- kuzvarwa patsva --- haangaoni humambo hwaMwari A --- Munhu kana asina --- kuzvarwa patsva --- haangaoni humambo hwaMwari --- Munhu kana akasazvarwa nemvura naMweya --- haangapindi B muhumambo hwaMwari

1

Munhu angazvarwa seiko iye ava mukuru? Kana munhu ---

2

Anogona here kupinda kechipiri-i munhumbu mamai vakee, achizozvarwa? Kana munhu ---

Chorus

B: Usashamisike Ni-ikodhimasi nezvandati nezvandati unofanira kuzvarwa patsva S/A: Usashamisike --- usashamisike nezvandati unofanira kuzvarwa patsva.

3

Iwe Nikodhimasi zvauri mudzidzisi unotadza kunzwisisa zvinhu zvose izvi seiko?

4

Chinenge chazvarwa nenyama inyama chinege chazvarwa-a naMweya mweya-a

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.