Bhaibheri

Pano Mweya WaMambo

Catholic · Nziyo · 850

I. Maputsa Nezungai

Chorus

M: Pano mweya waMambo V: S Ndipo ndipo pano mweya waMambo ndipo pano rusununguko, pano Mweya waMambo ndipo pa-no rusununguko. B Ndipo ndipo pano rusununguko, Mweya waMambo ndipo pan-o rusununguko, pano Mweya waMambo ndipo pa-no rusununguko.

1

Akakomborerwa munhu asingaverengerwi zvakaipa na Mambo ----ndakati

2

Akakomborerwa munhu asinokunyengera pa-mweya wake----ndakati

3

Nokuti ruvoko rwenyu rwakanga rwakandisimbirira, ndikarwadziwa sendabaiwa neminzwa

4

Asi zvino ndareurura matadzo angu handina kuvanza mhosva dzangu

5

Nemi Mambo mandiregerera, mandiregerera mhosva dzangu

6

Ndimi ninga yangu Mambo munondichengeta, kuti ndirege kuwira munhamo

Chorus

All Ndinoda kureurura zvivi zvangu ndoreurura matadzo angu kunemi Mambo

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.