J.V. Chinondo
Chorus
M: S/A Pindukirai kuna Tenzi Mwari wedu V: S/A Pindukirai – pindukirai kuna Tenzi Mwari wedu, muise zvitadzo zvenyu, pamberi pake mumuteterere-e murege kumutadzira pakare. Tendeukirai kuna iye wokumusorosoro – mufuratire zvisakarurama zvenyu-u murege zvinomusemesa-a sezvinoita vapenyu vanomutenda. B/T --- Pindukirai kuna Tenzi --- kuna Tenzi Mwari wedu...pindukirai mumuteterere --- murege kumutadzira . Tendeukirai kuna Tenzi mufuratire --- zvisakarurama murege zvinosemesa-a sezvinoita vanhu vanomutenda.
1
Kuregerera kwaMwari kukuru kwazvo kuvanhu vanotendeukira kwaari.
2
Mwari wokumusorosoro acharumbidzwa navanhu vapenyu vanomutenda.
3
Ndianiko acharumbidza wokumusorosoro munzvimbo yevakafa.
4
Isu vanhu hatigoni kuva nezvinhu zvose nokuti munhu munhu anofa.
Chorus
S/A Tsitsi dza-Tenzi Mwari wedu dzakawanda kwazvo: tsitsi dza-Mwari kuregerera vanotendeukira kwaari-i – tsitsi dza-Mwari-i tsitsi dza-Tenzi dzakawanda kwazvo. B/T --- Tsitsi dza-Tenzi Mwari --- tsitsi dza-Tenzi kuregerera vanotendeukira kwaari itsitsi dza-Mwari-i tsitsi dza-Tenzi dzakawanda kwazvo.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.