Bhaibheri

Gamuchirai Mweya Mutsvene

Catholic · Nziyo · 86

J.L. Kaseke Chaleka

Chorus

M: Gamuchirai Mweya Mutsvene ndinokutumaiwo sokutumwa kwandakaitwa naBaba-a V: S/A Kuzoti ataura izvi akavaratidza zvanza zvake, naparutivi pake, ndokutizve kuvadzidzi vake, rugare ngaruve nemi, rugare-e ngaruve nemi-i. B/T Ataura izvi, akavaratidza zvanza naparutivi pake, ndokutizve kuvadzidzi vake, rugare ngaruve nemi, rugare-e ngaruve nemi-i.

1

Akati ataura izvi akafemera kwavari ovati, gamuchirai Mweya Mutsvene.

2

Kana mukaregerera, vanhu, zvavakatadzira Mwari, vanobva varegererwa matadzo avo.

3

Mukaramba kuvaregerera matadzo avo, havaregererwi matadzo avo.

Chorus

S/A Sokutumwa kwandakaitwa naBaba ndinokutumaiwo rugare-e ngaruve nemii. B/T Kwandakaitwa naBaba ndinokutumaiwo rugare-e ngaruve nemi-i.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.