Bhaibheri

Pokupedzisira Pauro Anoti

Catholic · Nziyo · 860

Sr R.E. Chinyani (LCBL)

Chorus

M: S/A Pokupedzisira Pauro anoti-i-i M: S/A Simbai kwazvo muna Tenzi-i-i simbiswai namasimba ake pachake-e- pfekaii zvokurwisa zvose-e-e-e zvamunopihwa naMwari-i kuti-i – muzogonawo kurwisana namazano akaipa-ha adhiyabhori – muchirwa nawo-o. B --- Kwazvo muna Tenzi simbai-ii namasimba ake pachake – pfekai zvombo zvokurwisa zvose-e zvamunopihwa-a naMwari kuti muzogonawo-o asatani akaipahaa dhiyabhori muchirwa muchirwa nawoho.

1

Nokuti hatisi kurwisana navanhu asi nomweya ine ukurukuru neyeushe nemweya inotonga pasi pose-e.

2

Mashoko akanaka orugare nokuparidzwa kwawo ngaave seshangu dzamunopfeka-a.

3

Tiri kurwisana nehondo dzomweya youipi iri mumatenga-a mumatenga umu.

4

Mozotora kutenda muchikuita muchikuita nho-o huru yamunogona kudzimura nayo miseve yasatani.

5

Mozotora shoko raMwari muchiriita ngowani yamunopfeka-a.

6

Rambai muchingonamata muchinamata zvokunamata zviya muchinyengetera.

Chorus

S/A Naizvozvo mirai makagadzirira-a-a chokwadi ngachisunge chiuno chenyu-u kururama ngakuite senho-o inodzikatira pamaditi enyu. B --- Mirai makagadzirira mirai-i ngachisunge chiuno chenyu sebande ngakuite senhoo inodzikatira pamaditi enyu.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.