R.A. Zinyohwera
Chorus
M: Rudo runopfava uye rune mutsa V: S/A Rudo runopfava uye rune mutsa haruna shanje harudadi – harutsamwi – haruvirimi – haruchengeti mafi ezvakaipa zvinoitwa navanhu B Rudo runopfava uye rune mutsa haruna shanje rudo – harutsamwi haruvirimi haruchengeti mafi – zvinoitwa navanhu
1
Ndingagona hangu kutaura ndataura mitauro yavanhu neyavatumwa vaMwari, ndisina rudo runongova ruzha chete
2
Ndingava nechipo chokuziva zvose nokunzwisisa zvose kuparidza sendasvikirwa kusudurutsa makomo, ndisina rudo handisi chiro
3
Ndingagona hangu kupa zvose zvandinazvo kana muviri wangu kuti upiswe, ndisina rudo zvose hazvindibatsiri
4
Kusvikirwa kuchapera kutaura nendimi kuchapera ane rudo ndiye mukuru rudo rukuru kukunda zvose
Chorus
S/A Rudo harupererwi norudaviro uye rune tsungiriro runogara ruripo narini B Rudo harupererwi norudaviro --- rudo --- ruripo narini
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.