Bhaibheri

Tenda Mambo Mweya Wangu

Catholic · Nziyo · 919

I.M. Nezungai

Chorus

M: Tenda Mambo mweya wangu V: S Tenda Mambo mweya wangu nokuti andinzwira tsitsi Abvisa mhosva dzangu Mambo andipa rugare rwandakarasa nokutadza kwangu B Tenda Mambo, tenda Mambo andinzwira tsitsi abvisa mhosva dzangu Mambo andipa rugare rwandakarasa nokutadza kwangu

1

Baba vetsitsi ndinokutendai nomwoyo wangu wose

2

Baba vetsitsi ndinokutendai nokuti ndimi makanaka kwazvo

3

Rudo rwenyu rwakawanda haruna mugumo

4

Ndinonyanya kutarisira rubatsiro rwenyu

5

Mundivandudze nesimba raMweya musande anogara mandiri

6

Ndipei kuterera kuraira kwenyu kwenguva dzose

7

Ndibetserei kuti ndirege kuvhunduka kutonga kwenyu panguva yo-kufa kwangu

Chorus

S Ndinoda kupika --- kupika pakare kuchengeta zvose zvandakapikira kuita B Ndinoda kupika kupika pakare kuchengeta zvose zvandakapikira kuita

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.