Bhaibheri

Tenzi Jesu Ndinotenda Nechipo CheBhabhatisimo

Catholic · Nziyo · 930

T. Mukumba

Chorus

M: S Tenzi Jesu ndinotenda nechipo chebhabhatisimo V: S/A Ndinokutendai Tenzi wangu pakundigamuchira kwamakaita mukirike munova ndiwo musha wangu wezvomweya pasi pano, ndinotenda kurwadziwa, kufa nokumuka kwenyu kwakandiwanira chituso ichi chakakomba. B Ndinokutendai Tenzi pakundigamuchira kugamuchirwa mukirike munova ndiwo musha wangu wezvomweya pasi pano, ndinotenda kurwadziwa nokumuka kwenyu kwakandiwanira chituso ichi chakakomba.

1

Ndinokutendai pakundichengeta kubva pakuzvarwa kusvika nhasi uno.

2

Kunyangwe ndakakutadzirai zvakanyanya hamuna kundirasa.

3

Kuti ndikodzere kudana kwangu nemi.

4

Ndinokumikidza kwamuri vabereki nehama dzangu dzose nomupriste akandibhabhatidza.

5

Ndinokumbirawo vafudzi vechitendero navahedheni vose.

6

Chivazaruriraiwo chitubu chebhabhatisimo kuti tive vazhinji vanokudai nokutenda kwamuri Amen.

Chorus

S/A Itai kuti pfungwa namanzwi nezviito zvangu zvose zvive zviratidzo zvoukama hwangu nemi Kristo. B Itai kuti pfungwa mazwi nezviito zvezuva nezuva zvive zviratidzo zvoukama hwangu nemi Kristo.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.