Bhaibheri

Tenzi Ngaakupei Rufaro Nguva Dzose

Catholic · Nziyo · 939

O.T. Mutyanda

Chorus

M: Tenzi ngaakupei rufaro nguva dzose V: S/A Ratidzai tsika dzakanaka – regai henyu kuzvinetsa nechimwe chinhu asi mikumbiro yenyu ngaiziviswe kuna Tenzi mumunyengetero pamwe nokutenda. B Ratidzai tsika dzakanaka regai henyu kuzvinetsa nechimwe chinhu --- asi mikumbiro yenyu ngaiziviswe kuna Tenzi mumunyengetero --- nokutenda.

1

Naizvozvo hama dzangu, dzinoshuwira imi itai mabasa enyu, kuna Tenzi makasimba.

2

Rugare rwaMwari runopinda kuziva kwose ngaruchengete mwoyo yenyu nepfungwa dzenyu.

3

Ndinopamhidzazve ndichiti ivai norufaro, kuna vanhu vose, Tenzi ava kuda kuuya.

Chorus

S/A Pakupedzisira hama dzangu itai zvinhu zvakanyanya kunaka nezvamakagamuchira nezviya zvamakaona Mwari worugare achava nemi. B Pakupedzisira hama dzangu itai --- zvakanyanya kunaka – nezvamakagamuchira nezviya zvamakaona Mwari worugare Mwari achava nemi.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.