Bhaibheri

Tenzi Wangu Huyai Kwandiri

Catholic · Nziyo · 944

J.K. Dzingai

Chorus

Part 1: M: Tenzi wangu huyai kwandiri V: S/A Imii Tenzi mucharamba muchizvi-vanza kusvika riinikoo, Tenzi, kusvika riini, nariini here? Kutsamwa kwenyu, kuchatora nguva yakadiniko, kuchingoviruka somoto, fungai nezveupenyu hwangu, kuti ndehwemazuva akadiniko Tenzi, uye kuti makasika vanhu vose, muchiti vanozofa vanhu vose, vanhu vose, vanhu vose, vachafa-a. B/T Tenzi mucharamba muchizvivanza kusvika riiniko,Tenzi, nariini here, kutsamwa kwenyu kuchatora nguva yakadiniko, kuchingoviruka somoto, fungai nezveupenyu hwangu, kuti ndehwemazuva akadiniko, Tenzi, makasika vanhu vose muchiti vanozofa vanhu vose, vanhu vose, vanhu vachafa.

1

Ndianiko munhu mupenyu asingazooni rufu, ko ndianiko hake anganzvenga guva.

2

Hakusi kuzvidzwa kunoitwa Mambo navavengi venyu imi Tenzi vanomunyomba kwose kwaanoenda. Part 2:

Chorus

S/A Nhai Tenzi ko ngoni dzenyu dzakare dziri kupiko, dzamakagadzirira David muranda wenyuu Tenzi, ngoni dzenyu dziri kupiko. B/T Tenzi, Tenzi wangu, Tenzi Tenzi wangu, Tenzi, Tenzi, muranda wenyu imi Tenzi, ngoni dzenyu dziri kupiko.

3

Rangarirai Tenzi kuzvidzwa kwandinoitwa ini muranda wenyu nemhandu dzenyu.

4

Moyo wangu unoremerwa seiko nokuzvidzwa kwandinoitwa nemhandu dzenyu. Part 3

Chorus

All Tenzi ngavarumbidzwe nokusingaperi, A---men.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.