Bhaibheri

Tinouya Kwamuri Baba

Catholic · Nziyo · 971

Sr Mavis Chireshe (SJI)

Chorus

Part 1: M: S/A Tinouya kwamuri Baba Kudavira & Chorus: S/A Tinouya kwamuri panguva ino tichikutendai nemagirasiya amunoisa matiri , Tinoramba tichikutendai nenzira yapamusoro-soro nokutipa zvokushandisa pakuvaka kwatichaita (Imba/Cathedral) yedu ye.... Imi mweya worunako tipeiwo kushinga kuti tikunde miyedzo yatichasangana nayo pakuvaka imba iyi. Mwari wechiedza vhurai njere dzedu kuti tione chokwadi chokukosha kweimba yenyu B Tinouya kwamuri pane ino nguva tichikutendai pamagirasiya amunoisa matiri tichikutendai nenzira yapamusoro-soro nokutipa zvokushandisa pakuvaka kwatichaita (Imba/Cathedral) yedu ye.... Imi mweya worunako tipeiwo kushinga kuti tikunde miyedzo yatichasangana nayo pakuvaka imba iyi. Mwari Mwari wechiedza vhurai njere dzedu tione chokwadi chekukosha kweimba yenyu

1

Tinoda kuva zvapupu zvorudo rwenyu mukuvaka imba yenyu-u zvichibva musimba uye murudo rwenyu

2

Tinokumbira simba rokuti tishande pamwechete mukuvaka imba yenyu-u tishande pamwechete Part 2:

3

Tinoisa mifaro yedu ,zvishuwo uye zvigozhero mumaoko menyu

4

Ivaiwo muvaki nomurindi mukuru weimba iyi

Chorus

S/A Mwari wengoni, rudo nerupfave makati mushoko renyu kana Tenzi asina kuvaka imba vavaki vanoshandira pasina, kana Tenzi asina kuchengeta guta varindi vanorindira pasina-ha B Mwari wengoni, rudo nerupfave makati mushoko renyu Tenzi asina kuvaka iimba vavaki vanoshandira pasina, kana Tenzi kuchengeta guta varindi vanorindira pasina-a Part 3:

5

Kuti tigamuchire dama raMwari

6

Tigova vaparidzi vedama reruponeso

Chorus

S/A Maria hosi yorugare mutireverere mutireverere Maria musande mutireverere B Maria musande hosi yorugare hosi yorugare mutireverere nutireverere Maria Musande mutireverere

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.