Bhaibheri

Umambo Hwekudenga Hungafananidzwa

Catholic · Nziyo · 997

V.T. Mukweva

Chorus

M Umambo hwekudenga hungafananidzwa Kudavira & Chorus: S/A Umambo hwokudenga hungafananidzwa nomumwe Mambo akaitira mwana wake mabiko omuchato B Umambo hwokudenga denga hungafananidzwa nomumwe Mambo akaitira mwana wake mabiko omuchato

1

Akatumazve varanda kunodaidza vakange vakokwa asi vakararmba

2

Ndabika mabiko ndauraya mombe dzangu dzakakodzwa asi havana kuita hanya nazvo

3

Umwe akaenda zvake kushevo yake , mumwe kumunda , vamwe vakaponda vatumwa

4

Zvino Mambo akatsmwa akaparadza vaya vakavauraya

5

Chiendai kumharadzano dzemigwagwa mukokere vose vamunosangana navo varombo , zvirema , namapofu

6

Vakaunganidza vose vakaipa navakanaka imba ikazara

7

Mambo akaona mumwe asina nguwo yomuchato

8

Wapinda seiko usina hanzu yomuchato, wapinda seiko usina hanzu yomuchato

9

Batai munhu uyu mumukande panze

10

Nokuti vakashevedzwa vazhinji asi vakasarudzwa voshoma

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.