1
Minamato yeRusariro
2
Muzita Muzita raMwari Baba, nero Mwanakomana, nero Mweya Musande. Amen.
3
Tinotendera Mwari Tinotendera Mwari Baba ana masimba ose, Musiki wedenga napasi, Tinotendera Yesu Kristo, mwanakomana wake mumwe chete, mambo wedu, akazvarwa naMariya muvirigo nesimba raMweya Mutsvene akatongerwa kutambudzika naPonsiyo Pirato, akarovererwa pachipiyaniso, akafa akavigwa, akaenda kuvafi, zuva retatu, akamuka. Akakwira kudenga, kwaagere kurudyi rwaMwari Baba ana masimba ose; achabvako kuzotonga vapenyu navafi. Tinotendera Mweya Mutsvene; Kirike sande katorike, kubatana kwavasande, Kuregererwa kwamatadzo, kumuka kwomuviri Noupenyu husingaperi. Amen.
4
Baba Vedu Baba Vedu muri kudenga, zita renyu ngarinamatwe; umambo hwenyu ngahusvike, kuda kwenyu ngakuitwe, pasi sokudenga. Tipeiwo nhasi kudya kwedu kwezuva, mutiregererewo zvatakakutadzirai sokuregerera kwatinoita vakatitadzira, musatirege tichiwira mune zvinotiedza, asi mutinunure kune zvakaipa. Amen.
5
Kwaziwai Maria Kwaziwai Maria Muzere Gracia Mambo anemi. Makakomborerwa pana vakadzi, akakomborerwa mwana wemimba yenyu Yesu. Mariya musande, Amai vaMwari, Mutireverere isu vatadzi zvino, napanguva yokufa kwedu. Amen.
6
Vakudzwe Vakudzwe Baba, ne Mwanakomana, naMweya Musande, sezvakanga zviri pakutanga, nazvino, nakare kose, nemisi isingaperi. Amen.
7
Yesu Wangu Yesu Wangu tiregerereiwo matadzo edu, mutidzivirire kumoto muzhinji, itai kuti mweya yose iende kudenga, zvikuru iyo inoda tsitsi dzenyu kwazvo.
8
Kwaziwai Hosi Sande Kwaziwai Hosi Sande amai vetsitsi, rupenyu, runako, nechitarisiro chedu, kwaziwai! Tinochema kunemi, tiri vana vakatandwa vaEva. Tinokutetererai, tichigomera, tichichema, pasi pano pane nhamo. Tinzwireiwo imi, murevereri wedu, mutiringe nemeso enyu etsitsi. Mutiratidze, tafa, Mwana akakomborerwa wemimba yenyu, Yesu. Mariya muvirigo, makapfava, makanaka, makanakisa.
9
Munamato Wokupedzisa Mwari Baba Tipeiwo Simba rokuti tirambe tichifunga upenyu nokufa nokumuka muvafi kwaMambo wedu Yesu Kristo, nokuti izvi ndizvo zvatinorangarira nguva yose yatinonamata rusariro rwamai vedu Mariya musande muvirigo. Uyezve tinokumbirawo simba rekutevera gwara raMambo kuti tigowane makomborero aakatitsidzira. Kristo Mambo wedu tisvitsireiwo izvi kunemi. Amen.
10
Muchidai
11
Matangiro Muzita... Tinotendera Mwari... Baba Vedu... Kwaziwai Maria... Kwaziwai Maria... Kwaziwai Maria... Vakudzwe... Yesu Wangu...
12
Gumi rekutanga Chishamiso 1... Baba Vedu... Kwaziwai Maria... Kwaziwai Maria... Kwaziwai Maria... Kwaziwai Maria... Kwaziwai Maria... Kwaziwai Maria... Kwaziwai Maria... Kwaziwai Maria... Kwaziwai Maria... Kwaziwai Maria... Vakudzwe... Yesu Wangu...
13
Gumi repiri Chishamiso 2... Baba Vedu... Kwaziwai Maria... Kwaziwai Maria... Kwaziwai Maria... Kwaziwai Maria... Kwaziwai Maria... Kwaziwai Maria... Kwaziwai Maria... Kwaziwai Maria... Kwaziwai Maria... Kwaziwai Maria... Vakudzwe... Yesu Wangu...
14
Gumi retatu Chishamiso 3... Baba Vedu... Kwaziwai Maria... Kwaziwai Maria... Kwaziwai Maria... Kwaziwai Maria... Kwaziwai Maria... Kwaziwai Maria... Kwaziwai Maria... Kwaziwai Maria... Kwaziwai Maria... Kwaziwai Maria... Vakudzwe... Yesu Wangu...
15
Gumi rechina Chishamiso 4... Baba Vedu... Kwaziwai Maria... Kwaziwai Maria... Kwaziwai Maria... Kwaziwai Maria... Kwaziwai Maria... Kwaziwai Maria... Kwaziwai Maria... Kwaziwai Maria... Kwaziwai Maria... Kwaziwai Maria... Vakudzwe... Yesu Wangu...
16
Gumi rechishanu Chishamiso 5... Baba Vedu... Kwaziwai Maria... Kwaziwai Maria... Kwaziwai Maria... Kwaziwai Maria... Kwaziwai Maria... Kwaziwai Maria... Kwaziwai Maria... Kwaziwai Maria... Kwaziwai Maria... Kwaziwai Maria... Vakudzwe... Yesu Wangu...
17
Mhedziso Kwaziwai Hosi Sande... Mwari Baba... Muzita...
18
Zvishamiso / Zvimisterio
19
Zvishamiso zveKufara Zvinoitwa musi weMuvuro neMugovera (Monday & Saturday) Gumi reKutanga (paNhano 9): Angere Gabriere akaparidza kuna Mariya. (Luke 1:26-38) Gumi reChipiri (paNhano 23): Maria akashanyira Erizabeta. (Luke 1:39-56) Gumi reChitatu (paNhano 37): Yesu akaberekerwa kuBeterehema mudanga. (Luke 2:1-21) Gumi reChina (paNhano 51): Yesu akagamuchidzwa mutemberi. (Luke 2:22-38) Gumi reChishanu (paNhano 65): Yesu Kristu akawanikwa mutemberi. (Luke 2:41-52)
20
Zvishamiso zveChiedza Zvinoitwa musi weChina (Thursday) Gumi reKutanga (paNhano 9): Yesu Kristu akabapatidzwa muJorodani. (Matthew 3:13-16) Gumi reChipiri (paNhano 23): Yesu Kristu akasandura mvura kuita waini pamuchato kuKana. (John 2:1-11) Gumi reChitatu (paNhano 37): Yesu akatanga kuparidza kuwuya kwehumambo hwaMwari. (Mark 1:14-15) Gumi reChina (paNhano 51): Yesu Kristu akapenya pagomo. (Matthew 17:1-8) Gumi reChishanu (paNhano 65): Yesu Kristu akadzika sakramende pakudya kokupedzisira. (Matthew 26)
21
Zvishamiso zveKusuwa Zvinoitwa musi weChipiri neChishanu (Tuesday & Friday) Gumi reKutanga (paNhano 9): Yesu Kristu akatandadza mumunda weGetsimani. (Matthew 26:36-56) Gumi reChipiri (paNhano 23): Yesu Kristu akapurwa pamutsigo. (Matthew 27:26) Gumi reChitatu (paNhano 37): Yesu Kristu akagadzwa ndaza yeminzwa. (Matthew 27:27-31) Gumi reChina (paNhano 51): Yesu Kristu akatakura chipiyaniso. (Matthew 27:32) Gumi reChishanu (paNhano 65): Yesu Kristu akarovererwa pachipiyaniso. (Matthew 27:33-56)
22
Zvishamiso zveKurumbidza Zvinoitwa musi weChitatu neSvondo (Wednesday & Sunday) Gumi reKutanga (paNhano 9): Yesu Kristu akamuka muvafi. (John 20:1-29) Gumi reChipiri (paNhano 23): Yesu Kristu akakwira kudenga. (Luke 24:36-53) Gumi reChitatu (paNhano 37): Mweya Musande akaburukira pana vaPostori. (Acts 2:1-41) Gumi reChina (paNhano 51): Maria Musande akakwidzwa kudenga. Gumi reChishanu (paNhano 65): Maria Musande akagadzwa uhosi hwedenga.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.