Bhaibheri

Novena Kuna Mweya Mutsvene

Catholic · Minamato · 61

1

Mweya Mutsvene, ndimi wechitatu muUtatu Hutsvene hwaMwari! Ndimi Mweya wechokwadi nohutsvene, munobva munaBaba noMwanakomana, makangoenzana navo muna zvose! Ndinokupfugamirai ndinokudai nomwoyo wangu wose.

2

Mweya Mutsvene wadiwa, ndinoisa chivimbo murudo rwenyu kwandiri rwakadzama pandiri kuita novena iyi, kuti kana kuri kuda kwenyu mundipewo izvi ...

3

(Kumbira chaunoda)

4

Ndidzidzisei kuziva nokutsvaga Mwari akandisika uye wandakasikirwa. Zadzai mwoyo wangu nokutya Mwari uye rudo kwaari. Itai kuti ndirwadziwe kukutadzirai uye ndive nomwoyo murefu. Musandirega ndichiwira murutadzo.

5

Wedzerai mandiri kutenda, chitarisiro nerudo ndikure mutsika dzakanaka dzinofambirana nezvandiri pakukurarama.

6

Ndiitei muteveri waJesu akatendeka, mwana anoteerera sangano uye anobatsirana navamwe. Ndipeiwo nyasha dzokuti ndigone kuchengetedza mirau yenyu uye kugamuchira masakaramende ndakakodzera.

7

Ndipeiwo zvipo zvenyu zvinoera zvinoti; ungwaru, runzwisiso, zano rakanaka, rutsigo, ruzivo, runamato nokutya Tenzi. Wedzeredzai mandiri michero yenyu inoera inoti; rudo, mufaro, mwoyo murefu, mutsa, unaku, mwoyochena, unyoro, kutendeka, kuzvidukupisa, kuzvibata noutsvene. Ndisvitsei kuutsvene mukurarama daidzo yamakandishevedzera, mugondisvitsawo kumugumo wakanaka wokuzofara muupenyu husingaperi, nomuna Jesu Kristu Tenzi wedu. Amen.

8

Novena kuMweya wakasikwa usine mhaka weMhandara Maria

9

Mhandara Tsvene makachena kwazvo, hamuna kana netsvekwa uye makaremekedzwa kupfuura zvisikwa zvose. Ndimi moga mwana pakati pavana vavabereki vedu vokutanga, asina kumbova mhandu yaNyamusiki.

10

Munotevera mumashure moMwanakomana wenyu Jesu, kuva mufananidzo wakanakisisa wehutsvene hwaMwari. Makasikwa musina chitadzo. Rangarirai amai vadiwa, kuti makadiwa mukadzivirirwa naMwari kumumvuri werutadzo, kwete bedzi kuti mukodzere kuva amai vaMwari, asiwo kuti muve amai vedu vezvomweya, diziro nomurevereri.

11

Tinovimba zvizere mureverero yenyu isingakundikane. Nechivimbo ichi, tinokutetererai kuti mutiwanire nyasha pane zvatinokumbira munovena iyi, zvinoti ...

12

(Isa mikumbiro)

13

Amai makasikwa musina mhaka, munoziva kuti nguva nenguva tinosvibisa mwoyo yedu inova ndiyo chigaro chaMwari. Tipeiwo mwoyo yakachena inotigonesa kuva nohukama naMwari oga uye zvinangwa zvakachena zvinovavarira kuita kuda kwake bedzi.

14

Amai vadiwa kwazvo, tiwanireiwo zvimwe zvipo zvakakosha; chipo chorunamato nechipo chokushandisa nyika ino savapfuuri vasina musha pano, asi vane musha kwamuri ikoko pamwe naVaTumwa naVaTsvene vose, kwamakamirira kutigamuchira isu vana venyu vadikanwi. Amen.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.