1
Maria Mhandara Tsvene makanakisa, Amai vaTenzi vedu Jesu Kristu naAmai veduwo, dzamisai matiri chivimbo chipenyu mureverero yenyu ine simba inogamuchirwa nguva dzose nomumenduru yenyu yezvishamiso. Ndinokutetererai somwana wenyu anokudai uye ane chivimbo mamuri, kuti mundiwanirewo nyasha uye zvandiri kukumbira munovena iyi. Ndiitireiwo zvakanaka kana zvichizobatsirawo mweya wangu usingafi, uye mweya yavamwe vandirikunamatirawo. (Taura chaunokumbira)
2
Maria imi munoziva nguva zhinji mweya wangu paunova nzvimbo inoera yoMwanakomana wenyu anovenga uipi. Ndibatsireiwo ini kusema nokuvenga chitadzo zvakadzama. Mugondipawo mwoyo wakachena unondigonesa kubatana naMwari woga, kuti kufunga kwangu kwose, mazwi namabasa zvipe mbiri huru kwaari.
3
Ndipeiwo mweya worunamato nokuzviramba pachangu, kuti nereururo, ndiwanezve zvose zvandakarasa nokutadza. Pakugumisira ndizogarawo nemi kumusha wakakomborerwa uko kwamuri Mambokadzi Hosi yaVaTumwa neyavanhu. Amen
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.