Bhaibheri

Novena Kuna Peregirini

Catholic · Minamato · 74

1

(Murevereri wevanorwara negomarara)

2

Peregirini Mutsvene, Sangano Amai Vatsvene rakakudomai somurevereri wavose vanorwara namaronda uye gomarara. Ndinopoterawo nokwamuri ndiine chivimbo kuti mundibatsirewo pane izvi ...

3

(Taura chaunoda).

4

Kuti ndichinge ndazorasa chivimbo, ndinokutetererai kuti mundireverere nomutsa wenyu. Ndikumbirirei kuna Maria amai vamarwadzo vamaida chaizvo uye vamakazvibatanidza navo murudo panguva yamairwadziwa negomarara, kuti agondibatsirawo neminamato yake ine simba uye nyaradzo.

5

Ndipeiwo simba rokugamuchira miedzo yangu kubva muruoko rwerudo rwaMwari ndiine mwoyo murefu wokuzvipa kwaari. Kutambudzika kwangu ngakundisvitsewo kuupenyu huri nani hunondigonesa kuripira matadzo angu neepasi rose. Peregirini Mutsvene, ndibatsireiwo mukutodzana nemi mukutakura muchinjikwa unobvumirwa naMwari kuti uuye pandiri. Ndino zvibatanidza pamwe naJesu Akarovererwa uye naAmai vamarwadzo, kupira matambudziko angu kuna Mwari norudo rwose rwomwoyo wangu. Zvose kuitira mbiri yake uye ruponeso rwemweya yavanhu, zvikurusei mweya wangu. Amen.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.