Bhaibheri

Novena Kuna Franzisi Zevhiya Mutsvene

Catholic · Minamato · 76

1

(Murevereri wokufambisa chitendero)

2

Franzisi Zevhiya Mutsvene, munodiwa zvikuru uye muzere nerudo, ndinozvibatanidza pamwe nemi kuremekedza nokupfugamira ukuru hwaMwari. Ndinotenda sezvo ndichifara zvakanyanya pamusoro pezvipo zvenyasha zvamakapiwa muupenyu hwenyu.

3

Ndinokutetererai nomwoyo wakazvipira kuti mufadzwe nokundiwanira nereverero yenyu ine simba, nyasha dzeupenyu utsvene nomugumo wakanaka. Zvakare ndinokumbira izvi zvinoti ...

4

(Taura chaunoda)

5

Asi kuti kana zvandinokumbira zvisingapi mbiri kuna Mwari kana kubatsira mweya wangu, ndiwanireiwo zvingandibatsira. Amen.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.