Bhaibheri

Munamato Woumai

Catholic · Minamato · 82

1

Jeradhi Mutsvene ane mukurumbira murevereri ane simba kwazvo pamberi paMwari uye mushandi anoshamisa wanhasi. Ndinoya kwamuri ndichikumbira rubatsiro rwenyu. Imi makazadzisa kuda kwaMwari nguva dzose muchiri pasi pano, ndibatsireiwo kuita kuda kwaMwari kutsvene. Ndikumbirireiwo kuvaridzi voupenyu kunobva uBaba hwose kuti vandipewo mbereko uye kuti ndigorera vana vana vanofadza Mwari muupenyu huno vagozovewo vagari venhaka muuMambo hwedenga. AMEN.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.