Bhaibheri

Mhinzo

Catholic · Minamato · 87

1

Mutungamiri: Hama taungana semhuri yaVakristu Kukudza Mwari Baba vakatikomborera nemakomborero ose emweya nomuna Kristu. Tinoshuvirawo kuremekedza Maria amai vaKristu naamai veduwo veRubatsiro Rusingagumi. Vose: Tinotizira kurubatsiro rwenyu Amai Vatsvene vaMwari, musafuratire mikumbiro yedu pane zvatinoshaya asi tidzikinurei munjodzi dzose imi mhandara yakakomborerwa ine mbiri. Mutungamiri: Ngatinamatei Vose: Baba verudo, tinokutendai nomuenzaniso wechitendero noururami wamunotipa nguva dzose kuburikidza nevatsvene venyu. Tinokutendai naMaria anogara akagadzirira kutibatsira. Isu, saiye, ngatigarovavarira kuita kuda kwenyu kuti pamwe naye tizopinda mumbiri youmambo hwenyu; nomune Mwanakomana wenyu Jesu Kristu anogara nemi makabatana naMweya Mutsvene nokusingaperi. Ameni.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.