Bhaibheri

Munamato Wekukomborerwa

Catholic · Minamato · 94

1

(Pamunamato wekukomborerwa sakaramende Dzvene ringa ringaburitswe nokupfugamirwa vanhu vozokomborerwa naro. Kana pasina pfugamiro munamato unotevera wekukomborerwa ungaitwe.) (Vose vanopfugama.) + Mwanakomana waMwari akazvarwa naMaria Mhandara yakakomborerwa kuti anunure marudzi avanhu. Zadzwai neupfumi hwemakomborero ake. Ameni. + Nomuna Maria mavambo ohupenyu hwose akakauya kwamuri. Rudo rwemwoyochena wake ngarwukumbundikirei nguva dzose. Ameni. + Mauya semhuri kuzoremekedza Maria pasi pano. Mweya womufaro ngauvenemi munzira yokuenda kumusha usina muguma. Ameni. + Mwari vanamasimba ose ngavakukomborerei, Baba neMwanakomana naMweya Mutsene. Ameni.

2

Maitiro pfugamiro Rwiyo runoimbwa Mupristi kana mudhikoni achitora hostiya rakakomborerwa muMumudziyo wesakaramende repfugamiro.

3

Mupriste kana mudhikoni anopfugama pamberi peatari vanhu vachiimba rwiyo rwakaita saTantum ergo. Mushure merwiyo anoita munamato okomborera vanhu achiita mucherechedzo wemuchinjikwa neSakarambende dzvene.

4

M: Makavapa chingwa chekudenga V: Chinopa upenyu hwose M: Ngatinamatei Mwari, makatisiira sakaramende rinoshamisa kuti rive chiyeuchidzo chokutambudzika kwenyu; tigonesei kuremekedza muviri neropa renyu, kuti murambe muchitiraramisa, imi munogara nokutonga kwemisi isingaperi. V: Ameni

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.