Bhaibheri

Munamato weMwoyo waYesu

Catholic · Minamato · 96

1

Mwoyo waYesu waMwari, pindurai vatadzi, nunurai vanofa, buritsai mweya iri muPurugatorio. Yesu wangu makanakisa, ndidavirei. Kwazivai mununuri wangu.

2

Mwari wangu, ndinoziva ndinofa, asi handizivi riniko, handizivi kupiko, handizivi seiko; asi ndinoziva kuti kana ndikafa norutadzo runouraya ndicharasirwa kumoto muzhinji. Mwoyo waYesu waMwari, kunemi ndinotarisira gracia rerufu rwakanaka, kuti ndife ndichishamwaridzana nemi kwemisi isingaperi. Amen.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.