Kwete! Idzo tsitsi dzenyu
Methodist Nziyo 100
1
Kwete! Idzo tsitsi dzenyu Kuna ivo vane mhosva, Munoda kuregerera, Munoda kuvaponisa.
2
Jesu Ishe wokudenga Tererai vatadzi vose, Mudzorere, muponise, Vatyori vemirairo.
3
Tsitsi dzenyu huru, Jesu, Dzakakwana nyika yose, Hadzingaenzaniswe, Hadzingapere narini.
4
Makororo nedzomvemve Mhombwe navo vanokorwa, Vose vashovedzwa nemi Kuti vose vaponiswe.
5
Vanobvuma nokuchema, Muvanzwe netsitsi Ishe, Muvaregerere chose, Simbisai rutendo rwavo.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.