Tirimo munzira yenyika yo'penyu
Methodist Nziyo 102
1
Tirimo munzira yenyika yo'penyu Kumusha wavanhu vari parufaro. Imi makatsauka nokutadzira She
Chorus
Munoenda here, ikoko kudenga? Munoenda here? Munoenda here? Munoenda here, ikoko kudenga?
2
Kusuwa, kusuwa, hakungambovako Mune iyo nyika igere vatsvene. Vafambi panhamu, pane chakaipa, Munoenda here, ikoko kudenga?
3
Ikoko hakuna urombo zvokwadi Ipfuma nepfuma izere ikoko; Chirwere hakuna? Kwete hakunaba Munoenda here, ikoko kudenga?
4
Fambai vatendi, nyika'yo ndeyedu, Tinozopupura runako ruriko; Hongu tichafamba pamsoro pegomo Tichazonwa mvura yo'faro kudenga.
5
Funga iwe m'tadzi, haunakuraswa, Tomira chinguva, timirire iwe; Uya kuna Ishe anokugam'chira, Akuise zvino ikoko kudenga.
6
Ndinoziva kuti uri pakurema Uchiti ndiyani angakuyamure, Pamhosva irimo mukati memwoyo Ndiye Jesu chete, teura kwaari,
7
Ndoenda, ndoenda, ndoenda, ndoenda, Hongu, ndinoenda ndinange kudenga.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.