Baba nditarisei netsitsi dzenyu
Methodist Nziyo 112
1
Baba nditarisei netsitsi dzenyu, Mundiregerere zvivi zvangu; Neropa roMwanakomana wenyu Chimboteererai izwi rangu.
2
Ishe wangu ndinayo tsvina bedzi, Handingashambidze mwoyo wangu; Ndovimba chete nedzo tsitsi dzenyu Nokuti ihuru mhosva yangu.
3
Zvose zvakaipa zvandakaita Ndinozviona mupfungwa dzangu, Zviito zvangu zvinondinyadzisa Ndinoremerwa nemhosva yangu.
4
Asi ndakanzwa noruregerero Kuti ruripo kuMuponisi. Ndicharuwana, ndinobvuma chose, Ndiye wandidana Ishe wangu.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.