Ndinoshamiswa kwazvo
Methodist Nziyo 12
1
Ndinoshamiswa kwazvo Namabasa makuru Akaitiwa nemi, Ose anorumbidza; Ukuru hwenyu Mwari Hunoshamisa kwazvo.
2
Kana ndarangarira Mabasa okudenga, Kana ndarangarira Mabasa apanyika, Inobuda misodzi Kana ndafunga imi.
3
Mwari vatatumumwe, Itai tikudei; Nokuti makatida, Makazotipa Jesu; Matipa Mweya wenyu Wokutisimbaradza.
4
Rumbidza iwe denga! Rumbidza iwe nyika! Rumbidza iwe gungwa! Nesu ngatirumbidze! Uyu musiki wedu, Ano rudo rukuru
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.