Sezva ndiri ndinouya
Methodist Nziyo 127
1
Sezva ndiri, ndinouya Ndisina chandakanatsa, Asi ndimi mandidana, Ndinouya Ishe.
2
Handinonoke kubviswa Zvitadzo zvandakaita, Kwamuri munochenisa Ndinouya Ishe.
3
Kunyange ndodzungaidzwa Namadzudzo omumwoyo. Ndichinzwa kurwa nokutya Ndinouya Ishe.
4
Murombo, bofu razvidzwa, Ndichapona nemi chose, Ndichapfumiswa kwamuri, Ndinouya Ishe,
5
Munozondiregerera Ndigam'chirwe, ndicheniswe, Nokuti ndokubvumai Ndinouya Ishe.
6
Rudo runondishamisa Rwakakunda chakaipa; Kuti ndive wenyu chose Ndinouya Ishe.
7
Nenzira yorudo rwenyu Kuzorunzwa zvakakwana Pano zvino nokudenga, Ndinouya Ishe.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.