Hozana wokudenga
Methodist Nziyo 14
1
Hozana wokudenga Ndo'imba nezwi rangu, Kumwana waDhavhidhi Wouya kwandiri; Hozana, ndiyamure Pakurema kwangu Wouya asadanwa Muponisi wangu.
2
Ndasunungurwa nemi Mutorongo rangu; Rakadimurwa nemi Iro joti rangu; Rakandirasikisa Ndasiya upenyu, Makandifarisazve Pakuchema kwangu.
3
Ndoshonga dzakadini Zvomondishanyira? Ndigadzirirei imi Mwoyo wangu wose; Ndoupira kwamuri Mununuri wanguNdopfugama kwamuri Chokwadi She wangu.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.