Mumwe ariko kum'soro
Methodist Nziyo 143
1
Mumwe ariko kum'soro; Anotida! Rudo rwake rwakakomba; Anotida! Hama dzedu dzinotiza, Zvimwe dzingatitambudze Haana kutinyengedza; Anotida!
2
Kumuziva ndoupenyu: Anotida! Wakatipa zvinhu zvose: Anotida! Tanga tiri kure naye, Wakatitenga neropa; Zvino tachengetwa naye: Anotida!
3
Jesu ndiShamwari wedu: Anotida! Woda kutiropafadza: Anotida! Mwoyo yedu inomuda, Yoda kushovedzwa naye, Zvirokwazvo nechokwadi: Anotida!
4
Anoregerera zvivi: Anotida! Hondo dzedu dzinokundwa; Anotida! Anotipa zvipo zvose Wopa namakomborero, Achatipa noutsvene; Anotida!
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.