Bhaibheri

Jesu ndokudai Muponisi wangu

Methodist Nziyo 147

1

Jesu ndokudai Muponisi wangu, Ndosiya zvose zvakaipa zvangu, Imi M'sununguri, imi M'chengeti, Ndokudai Jesu, ndokudai Jesu, ndokudai Jesu, ndokudai zvino.

2

Ndokudai nokuti Imi mandida, Makandibayirwa pamuchinjikwa, Ndokudai nokuti makandifira, Ndokudai Jesu, ndokuti Jesu, ndokudai Jesu, ndokudai zvino.

3

Ndinogokudai ndichiri mupenyu, Ndichakurumbidzai mazuva ose, Nomusi wokufa ndinogoimba, Ndokudai Jesu, ndokuti Jesu, ndokudai Jesu, ndokudai zvino.

4

Kakare kana ndavako kudenga, Ndichagara nemi, ndichakukudzai, Ndichaimba kwazvo, navanhu vose, Ndokudai Jesu, ndokuti Jesu, ndokudai Jesu, ndokudai zvino.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.