Jesu asati auya
Methodist Nziyo 150
1
Jesu asati auya Taigara murima, Rima rokusamuziva Iye Mwari sababa; Zvino nyika inofara Noruvheneko urwu; Jesu chiedza chenyika Chakatumwa naMwari.
2
Chiedza chomwoyo wangu NdiJesu Ishe wangu; Kugara kwake mandiri Kwafusa rima rangu; Dzose nharo nokuzvida Kunobiswa mandiri; Kutya nokubvunda kwangu Kunopedzwa naJesu.
3
Zvino ndonzwa norufaro Kuti Jesu ndinaye; Iye agere mandiri, Neni ndiri maari; Wese anobvuma Jesu Angave nechiedza; Hongu, ndiyamurei She Kuti ndive nomwenje.
4
Ishe nguva dzangu dzose Pfutisa mwenje wangu; Kuti vamwe vauone Mwenje woruponiso; Vagopinda muchiedza, Vafare nemi Jesu; Kudakara nyika yose Ikurumbidze Jesu.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.