Bhaibheri

Irwa kurwa kwakanaka

Methodist Nziyo 154

1

Irwa kurwa kwakanaka, Kristu ndiye simba rako; Ita zvose zvakanaka, Uchafara nguva dzose.

2

Famba nengoni dzaMwari, Tarisa uchamuona; Nzira yako iri mberi, Kristu ndiye nzira yako.

3

Parwendo rwako usatye, Ngoni dzake dzakanyanya; Kana uchivimba naye Anozokutungamira.

4

Rega kutya, ari pedyo, Iye asingapinduke; Tenda chete, uchaona Kristu ndiye muyamuri.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.