Bhaibheri

Ngatiimbe nengirozi

Methodist Nziyo 16

1

Ngatiimbe nengirozi Dziri mberi kwaShe; Ndimi dzadzo dziri zhinji 'Faro rumwe chete.

2

Rakafanera Gwayana Dzinodaro idzo, Nesu tinokurumbidza Watakabayirwa.

3

Makafanera Jesu She Kupiwa rukudzo; Rudo nokuropafadzwa Toisa kwamuri.

4

Zvinhu zvose zvakasikwa Ngazvimurumbidze; Iye wagadzwa umambo Nokumutunhidza.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.