Baba! mune simba rose
Methodist Nziyo 161
1
Baba! mune simba rose Muchengi wavose, Kana ndikabva kwamuri Ndingahwanda kupi?
2
Baba! Musiki wazvose Hapana mumwezve, Mutongi wezvinhu zvose, Mukundi wemhandu.
3
Baba munovada vose Vanovimba nemi; Mufudzi wezvirokwazvo Munovazorodza.
4
Baba mune simba rose Muchengi wavose Ndouya zvino kwamuri Mwari wezvokwadi.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.