Bhaibheri

Nyange ndiri murombo

Methodist Nziyo 165

1

Nyange ndiri murombo Mwari anondichenga Anondipa zvokudya Anondifukidzawo.

2

Kana ndichiteura Anonzwa nguva dzose; Kana ndichikotsira Haasiyane neni.

3

Mubati wokudenga Wakazviita rombe Nenzira yangu ini Kuti andikuputse.

4

Kana ndiri mubasa Anondikomborera; Kuzoti ndabva pano Ndichazorora naye.

5

Zvino ndinomukudza Nokutenda kwaari; Uko kufara kwangu Ndachengetwa naMwari.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.